Acts 23

Pauro pamberi pedare remakurukota

1Zvino Pauro wakati achitarisisa dare remakurukota akati: Varume hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yese yakanaka, kusvikira zuva rino. 2Asi mupristi mukuru Ananiasi wakaraira vakange vamire naye kuti vamurove muromo. 3Ipapo Pauro akati kwaari: Mwari achakurova, madziro akadzudzurwa akacheneswa; nokuti iwe ugere kuti unditonge maererano nemurairo, zvino unoraira kuti ndirohwe zvinopesana nemurairo here? 4Zvino vakange vamirepo vakati: Unotuka mupristi mukuru waMwari here? 5Pauro ndokuti: Ndanga ndisingazivi, hama, kuti mupristi mukuru; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Usataura zvakaipa pamusoro pemutungamiriri wevanhu vekwako. 6Zvino Pauro wakati aziva kuti rimwe divi ndereVaSadhusi uye rimwe ndereVaFarisi, akadanidzira kudare remakurukota, akati: Varume hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wemuFarisi; ini ndinotongwa pamusoro petariro nekumuka kwevakafa. 7Wakati areva izvi, kupesana kukauya pakati peVaFarisi neVaSadhusi, chaunga ndokukamukana. 8Nokuti VaSadhusi vanoti hakuna kumuka, kana mutumwa, kana mweya; asi VaFarisi vanobvuma zviri zviviri. 9Zvino mhere-mhere huru ikamuka; vanyori vekudivi reVaFarisi vakasimuka vachipikisa zvikuru vachiti: Hatiwani chinhu chakaipa kumunhu uyu; asi kana mweya akataura naye kana mutumwa, hatingarwisani naMwari. 10Zvino kupesana kukuru kwakati kwauya, mukuru wechuru akatya kuti Pauro angabvamburwa navo, akaraira mauto kuti aburuke amubvute pakati pavo, amuise kuimba yemauto. 11Zvino usiku hwakatevera Ishe wakamira naye akati: Tsunga moyo Pauro; nokuti sezvawakapupura zvinhu maererano neni paJerusarema, saizvozvo zvakafanirawo kuti upupure kuRoma.

Vamwe VaJudha vanozvisunga kuuraya Pauro

12Zvino kwakati kwaedza, vamwe veVaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nemhiko, vachiti havangadyi kana kunwa kusvikira vauraya Pauro. 13Zvino vaipfuura makumi mana vakange vaita mhiko iyi pamwe chete; 14ava vakaenda kuvapristi vakuru nevakuru vakati: Tazvisunga nemhiko huru, kuti hatidyi chinhu kusvikira tauraya Pauro. 15Naizvozvo ikozvino imwi nedare remakurukota taridzai kumukuru wechuru, kuti amuburusire kwamuri mangwana, sezvinonzi munoda kunyatsobvunzisisa zviri maererano naye; asi isu asati aswedera, tazvigadzira kumuuraya. 16Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvekuvandira, akauya akapinda mumba memauto, akaudza Pauro. 17Pauro ndokudanira kwaari umwe wevakuru vezana akati: Isa jaya iri kumukuru wechuru; nokuti rine chekutaura kwaari. 18Zvino ndokumutora, akamuuisa kumukuru wechuru, ndokuti: Pauro musungwa wandidanira kwaari akakumbira kuti ndiuise jaya iri kwamuri, rine chekutaura kwamuri. 19Mukuru wechuru akabata ruoko rwaro, akaenda naro parutivi vari vega, akabvunza akati: Chii chaunacho chekundiudza? 20Iye akati: VaJudha vatenderana kukukumbirai, kuti muburusire Pauro kudare remakurukota mangwana, sevanoda kunyatsobvunzisisa chimwe chinhu maererano naye. 21Naizvozvo imwi musatendeswa navo; nokuti vakamuvandira pakati pavo varume vanopfuura makumi mana, vakazvisunga nemhiko kuti havangadyi kana kunwa kusvikira vamuuraya; zvino ikozvino vakagadzirira vachimirira chivimbiso kubva kwamuri. 22Naizvozvo mukuru wechuru wakaregera jaya richienda, ariraira achiti: Usaudza munhu kuti wandizivisa zvinhu izvi.

23Zvino akadanira kwaari vamwe vaviri vevakuru vezana, akati: Gadzirirai mauto mazana maviri kuti afambe kusvikira Kesariya, nevatasvi vemabhiza makumi manomwe, nevemapfumo mazana maviri, kubva paawa rechitatu reusiku; 24muvawanisewo zvipfuwo, kuti vatasvise Pauro vamuise akachengeteka kumutungamiriri Ferikisi; 25akanyora tsamba yakatakura zvemukati izvi: 26Kiraudhio Risia kuna Ferikisi mutungamiriri changamire, kwaziwai. 27Uyu murume wakabatwa neVaJudha, uye angadai akaurawa navo, ndikasvika nemauto ndikamununura, ndanzwa kuti muRoma. 28Zvino ndakati ndichida kuziva chikonzero chavaimupomera nacho, ndikamuburusira kudare ravo remakurukota; 29ndikawana achipomerwa pamusoro pemashoko emurairo wavo, asi asingapomerwi chinhu chingafanira rufu kana zvisungo. 30Zvino ndakati ndaziviswa kuti kwakange koda kuva nekuvandirwa kwemurume uyu neVaJudha, ndikamutumira kwamuri pakarepo, ndikarairawo vanomumhan'arira kuti vataure pamberi penyu zvavanopesana naye. Chisarai. 31Zvino mauto, sezvaakarairwa akatora Pauro, akamuisa kuAntipatiri neusiku. 32Zvino chifume, vakarega vatasvi vemabhiza kuti vaende naye, vakadzokera kuimba yemauto; 33ivo vakati vasvika kuKesariya, vakakumikidza tsamba kumutungamiriri, vakaisawo Pauro pamberi pake. 34Zvino mutungamiriri wakati averenga, akabvunza kuti ndewedunhu ripi; zvino aziva kuti ndeweKirikia, 35akati: Ndichakunzwa, kana vanokupomera mhosva vasvikawo; akaraira kuti achengetwe mumba maHerodhe mekutongera.

Copyright information for Shona